1 Mwedzi wechinomwe wakati wasvika uye vana veIsraeri vakanga vagara mumaguta avo, vanhu vakaungana pamwe chete somunhu mumwe chete muJerusarema.
2 Ipapo Jeshua mwanakomana waJozadhaki navamwe vake vaprista naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri neshamwari dzake vakatanga kuvaka aritari yaMwari weIsraeri kuti vabayirepo zvipiriso zvinopiswa, maererano nezvakanyorwa muMurayiro waMozisi, munhu waMwari.
3 Vakavakira aritari pahwaro uye vakabayirapo kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa, zvose zvipiriso zvinopiswa zvamangwanani nezvamadekwana, zvisinei kuti vaitya vanhu vakanga vakavapoteredza.
4 Ipapo vakapemberera Mutambo waMatumba sezvazvakanga zvakanyorwa, nouwandu hwaidikanwa hwezvipiriso zvinopiswa hwakanga hwakanyorwa, hwezuva rimwe nerimwe.