10 Takavabvunzawo kuti mazita avo vainzi vanaani, tichiitira kuti tingonyora mazita avatungamiri vavo kuti togokuzivisai.
11 Iyi ndiyo mhinduro yavakatipa: “Tiri varanda vaMwari wokudenga napasi, uye tiri kuvakazve temberi yakambovakwa makore mazhinji akapfuura, iyo yakavakwa namambo mukuru weIsraeri uye akaipedza.
12 Asi nokuda kwokuti madzibaba edu akatsamwisa Mwari wokudenga, akavaisa mumaoko aNebhukadhinezari muKaradhea, mambo weBhabhironi, uyo akaparadza temberi ino akatora vanhu akavaendesa kuBhabhironi.
13 “Kunyange zvakadaro, mugore rokutanga raSirasi mambo weBhabhironi, Mambo Sirasi akatema chirevo chokuti imba yaMwari iyi ivakwezve.
14 Akabvisawo midziyo, yegoridhe nesirivha yeimba yaMwari yakanga iri mutemberi yeBhabhironi, yakanga yatorwa naNebhukadhinezari kubva kutemberi muJerusarema akaiuyisa kutemberi yomuBhabhironi. “Ipapo mambo Sirasi akaipa kumurume ainzi Sheshibhazari, waakanga agadza kuti ave mubati,
15 uye akamuudza kuti, ‘Tora midziyo iyi uende nayo undoiisa mutemberi muJerusarema, uye ugovakazve imba yaMwari panzvimbo yayo.’
16 Naizvozvo Sheshibhazari uyu akauya akateya nheyo dzeimba yaMwari muJerusarema. Kubva pazuva iroro kusvikira nhasi yanga ichingovakwa, asi haisati yapera.”