2 Abhurahama akasimudza meso ake ndokuona varume vatatu vamire naye. Akati avaona, akamhanya achibva pamukova wetende rake kuti andosangana navo uye akakotamira pasi.
3 Akati, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu, musapfuura henyu muranda wenyu.
4 Regai muvigirwe mvura shoma, mugoshamba tsoka dzenyu mose uye mugozorora pasi pomuti uyu.
5 Regai ndikutorerei zvokudya kuti mudye, kuitira kuti musimbiswe ipapo mugoenderera henyu mberi norwendo rwenyu, sezvo zvino masvika pamuranda wenyu.” Vakapindura vakati,“Zvakanaka, ita hako sezvawareva.”
6 Saka Abhurahama akakurumidza kuenda kutende kuna Sara. Akati kwaari, “Kurumidza, tora zviero zvitatua zvoupfu hwakatsetseka uhukanye ugobika chingwa.”
7 Ipapo iye akamhanyira kumombe akandosarudza mhuru yakaisvonaka, akaipa kumuranda, uyo akakurumidza kuigadzira.
8 Ipapo akauyisa ruomba nomukaka uye nemhuru yakanga yagadzirwa, akazvigadzika pamberi pavo. Pavakanga vachidya, akamira pedyo navo pasi pomuti.