4 Saka akamupa murandakadzi wake Bhiriha kuti ave mukadzi wake. Jakobho akavata naye,
5 uye akava nemimba akamuberekera mwanakomana.
6 Ipapo Rakeri akati, “Mwari andiruramisira; iye akanzwa mukumbiro wangu uye akandipa mwanakomana.” Nokuda kwaizvozvo akamutumidza zita rokuti Dhani.
7 Bhiriha murandakadzi waRakeri akavazve nemimba uye akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri.
8 Ipapo Rakeri akati, “Ndakava nokurwa kukuru nomukoma wangu, uye ndikakunda.” Saka akatumutumidza zita rokuti Nafutari.
9 Rea akati aona kuti aguma kubereka vana, akatora murandakadzi wake Ziripa akamupa kuna Jakobho somukadzi wake.
10 Ziripa murandakadzi waRea akaberekera Jakobho mwanakomana.