13 Akapedza usiku hwose ipapo, uye pane zvaakanga anazvo, akatsaurira mukoma wake Esau chipo chaiti:
14 mazana maviri enhunzvi dzembudzi namakumi maviri enhongo dzembudzi, mazana maviri amatunzvi amakwai namakondohwe makumi maviri,
15 ngamera hadzi, makumi matatu navana vadzo, mhou dzemombe makumi mana nehando gumi, mbongoro hadzi makumi maviri uye nehono gumi.
16 Akaita kuti zvichengetwe navaranda vake, boka rimwe nerimwe riri roga, uye akati kuvaranda vake, “Tungamirai mberi kwangu, uye musiye nzvimbo pakati pamapoka.”
17 Akarayira uya akanga achitungamirira akati, “Mukoma wangu Esau paanosangana nemi uye akakubvunza achiti, ‘Uri waaniko iwe, uye uri kuendepi, uye pfuma yose iri mberi kwako ndeyani?’
18 ipapo iwe unofanira kupindura uchiti, ‘Ndezvomuranda wenyu Jakobho. Izvi zvipo zvatumirwa kuna she wangu Esau, uye iye ari kutevera mumashure medu.’ ”
19 Akarayirawo wechipiri, wechitatu uye navamwe vose vaitevera mapoka achiti, “Munofanira kutaura chinhu chimwe chete kuna Esau pamunosangana naye.