3 Jakobho akatuma nhume mberi kwake kumukoma wake Esau munyika yeSeiri, iyo nyika yeEdhomu.
4 Akavarayira akati, “Izvi ndizvo zvamunofanira kutaura kuna tenzi wangu Esau kuti: ‘Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, Ndakanga ndichigara naRabhani uye ndakagarako kusvikira zvino.
5 Ndine mombe nembongoro, makwai nembudzi, varandarume navarandakadzi. Zvino ndiri kutuma shoko iri kuna she, kuti ndiwane nyasha pamberi penyu.’ ”
6 Nhume dzakati dzadzoka kuna Jakobho, dzakati kwaari, “Takaenda kumukoma wenyu Esau, uye ari kuuya zvino kuzosangana nemi, uye ana varume mazana mana.”
7 Ipapo Jakobho akatya zvikuru uye akatambudzika, akaparadzanisa vanhu vaakanga anavo mumapoka maviri, uye makwai nemombe nengamerawo.
8 Iye akafunga akati, “Kana Esau akasvika akaparadza rimwe boka, boka rasara ringapunyuka.”
9 Ipapo Jakobho akanyengetera akati, “Haiwa Mwari wababa vangu Abhurahama, Mwari wababa vangu Isaka, imi Jehovha makati kwandiri, ‘Dzokera kunyika yokwako nokuhama dzako, uye ndichaita kuti ubudirire,’