8 Iye akafunga akati, “Kana Esau akasvika akaparadza rimwe boka, boka rasara ringapunyuka.”
9 Ipapo Jakobho akanyengetera akati, “Haiwa Mwari wababa vangu Abhurahama, Mwari wababa vangu Isaka, imi Jehovha makati kwandiri, ‘Dzokera kunyika yokwako nokuhama dzako, uye ndichaita kuti ubudirire,’
10 ini handina kufanirwa nenyasha dzenyu dzose idzi uye nokutendeka kwamakaratidza muranda wenyu. Ndakanga ndichingova netsvimbo yangu bedzi pandakayambuka Jorodhani urwu, asi zvino ndava mapoka maviri.
11 Ndinokumbira kuti mundiponese kubva muruoko rwomukoma wangu Esau, nokuti ndinotya kuti achasvika akandiuraya, uyewo madzimai aya navana vavo.
12 Asi imi makati, ‘Zvirokwazvo ndichaita kuti ubudirire uye kuti zvizvarwa zvako zvive sejecha regungwa, risingagoni kuverengwa.’ ”
13 Akapedza usiku hwose ipapo, uye pane zvaakanga anazvo, akatsaurira mukoma wake Esau chipo chaiti:
14 mazana maviri enhunzvi dzembudzi namakumi maviri enhongo dzembudzi, mazana maviri amatunzvi amakwai namakondohwe makumi maviri,