25 Vanakomana vaBhiriha murandakadzi waRakeri vaiva: Dhani naNafutari.
26 Vanakomana vaZiripa murandakadzi waRea vaiva: Gadhi naAsheri. Ava ndivo vanakomana vaJakobho, vaakabereka muPadhani Aramu.
27 Jakobho akasvika kumusha kuna baba vake Isaka paMamure, pedyo neKiriati Abha (ndiro Hebhuroni), uko kwakambogara Abhurahama naIsaka.
28 Isaka akararama kwamakore zana namakumi masere.
29 Ipapo akabudisa mweya wake akafa uye akasanganiswa navanhu vake, akwegura kwazvo. Uye vanakomana vake Esau naJakobho vakamuviga.