10 Aya ndiwo mazita avanakomana vaEsau: Erifazi, mwanakomana womukadzi waEsau Adha, naReueri, mwanakomana waBhasemati mukadzi waEsau.
11 Vanakomana vaErifazi vaiva: Temani, Omari, Zefo, Gatami naKenazi.
12 Mwanakomana waEsau, Erifazi naiyewo akanga ano murongo ainzi Timina, uyo akamuberekera Amareki. Ava ndivo vaiva vazukuru vaAdha, mukadzi waEsau.
13 Vanakomana vaReueri vaiva: Nahati, Zera, Shama naMiza. Ava ndivo vaiva vazukuru vaBhasemati mukadzi waEsau.
14 Vanakomana vaOhoribhama mukadzi waEsau mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni, vaakaberekera Esau vaiva: Jeushi, Jaramu naKora.
15 Aya ndiwo aiva madzishe pakati pezvizvarwa zvaEsau: Vanakomana vaErifazi dangwe raEsau vaiva: madzishe Temani, Omari, Sefo, Kenazi,
16 Kora, Gatami naAmareki. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Erifazi muEdhomu; vaiva vazukuru vaAdha.