12 Mwanakomana waEsau, Erifazi naiyewo akanga ano murongo ainzi Timina, uyo akamuberekera Amareki. Ava ndivo vaiva vazukuru vaAdha, mukadzi waEsau.
13 Vanakomana vaReueri vaiva: Nahati, Zera, Shama naMiza. Ava ndivo vaiva vazukuru vaBhasemati mukadzi waEsau.
14 Vanakomana vaOhoribhama mukadzi waEsau mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni, vaakaberekera Esau vaiva: Jeushi, Jaramu naKora.
15 Aya ndiwo aiva madzishe pakati pezvizvarwa zvaEsau: Vanakomana vaErifazi dangwe raEsau vaiva: madzishe Temani, Omari, Sefo, Kenazi,
16 Kora, Gatami naAmareki. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Erifazi muEdhomu; vaiva vazukuru vaAdha.
17 Vanakomana vaReueri mwanakomana waEsau vaiva madzishe Nahati, Zera, Shama naMiza. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Reueri muEdhomu; vakanga vari vazukuru vaBhasemati mukadzi waEsau.
18 Vanakomana vaOhoribhama mukadzi waEsau vaiva: madzishe Jeushi, Jaramu naKora. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Ohoribhama mukadzi waEsau mwanasikana waAna.