3 Zvino Israeri akanga achida Josefa kupfuura vamwe vavanakomana vake, nokuti akanga aberekwa panguva youtana hwake; uye akamuitira nguo yakaisvonaka.
4 Madzikoma ake akati aona kuti baba vavo vaimuda kupfuura ani zvake pakati pavo, vakamuvenga uye vakasagona kutaura naye mashoko akanaka.
5 Josefa akarota hope, uye paakaudza madzikoma ake izvozvo, vakanyanya kumuvenga.
6 Akati kwavari, “Inzwai hope dzandakarota idzi:
7 Takanga tichisunga zvisote zvezviyo kumunda onei pakarepo chisote changu chakasimuka chikamire chakati twi, asi zvisote zvenyu zvakaungana zvakapoteredza changu uye zvikakotama kwachiri.”
8 Madzikoma ake akati kwaari, “Ko, iwe unoda kutitonga here? Ko, zvirokwazvo uchatitonga here iwe?” Uye vakanyanyisa kumuvenga nokuda kwokurota kwake uye nokuda kwezvaakanga ataura.
9 Ipapo akarotazve dzimwe hope, uye akadzitaura kumadzikoma ake. Akati, “Inzwai, ndarota dzimwe hope, uye panguva iyi zuva nomwedzi nenyeredzi gumi neimwe zvakanga zvichindipfugamira.”