45 Faro akatumidza Josefa zita rokuti ZafenatiPanea uye akamupa Asenati mwanasikana waPotifera, muprista weOni, kuti ave mukadzi wake. Uye Josefa akafamba munyika yose yeIjipiti.
46 Josefa akanga ava namakore makumi matatu okuberekwa paakapinda pabasa raFaro mambo weIjipiti. Uye Josefa akabuda kubva pamberi paFaro uye akafamba munyika yose yeIjipiti.
47 Panguva yamakore manomwe amaguta, nyika yakabereka zvizhinji kwazvo.
48 Josefa akaunganidza zvokudya zvose zvakawanikwa mumakore manomwe aya amaguta muIjipiti akazviunganidza mumaguta. Muguta rimwe nerimwe akaisa zvokudya zvaibva muminda yakapoteredza.
49 Josefa akaunganidza zviyo zvakawanda kwazvo, sejecha regungwa; zvakanga zvakawanda zvokuti haana kuzokwanisa kuzvinyora nokuti zvakanga zvisisagoni kuyerwa.
50 Makore enzara asati asvika, Josefa akanga aberekerwa vanakomana vaviri naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista weOni.
51 Josefa akatumidza dangwe rake zita rokuti Manase uye akati, “Nokuti Mwari akaita kuti ndikanganwe kutambudzika kwangu kwose navose veimba yababa vangu.”