4 Asi Jakobho haana kuendesa Bhenjamini, munun'una waJosefa, pamwe chete navamwe, nokuti akanga achitya kuti zvakaipa zvaizomuwira.
5 Saka vanakomana vaIsraeri vakanga vari pakati pavaya vakaenda kundotenga zviyo, nokuti nzara yakanga iri munyika yeKenaniwo.
6 Zvino Josefa akanga ari mubati wenyika; ndiye aitengesa zviyo kuvanhu vayo vose. Saka madzikoma aJosefa akati asvika, vakakotamira pasi kwaari nezviso zvavo.
7 Josefa achingoona madzikoma ake, akavaziva, asi akaita seasingavazivi uye akataura navo nehasha. Akati, “Munobvepi imi?” Ivo vakati, “Tinobva kunyika yeKenani, tauya kuzotenga zvokudya.”
8 Kunyange zvazvo Josefa akaziva madzikoma ake, ivo havana kumuziva.
9 Ipapo akarangarira kurota kwake pamusoro pavo akati kwavari, “Muri vasori imi. Mauya kuzoona nyika yedu paisina kudzivirirwa.”
10 Ivo vakapindura vakati, “Kwete, ishe wedu. Varanda venyu vauya kuzotenga zvokudya.