1 Une nhamo iwe Arieri, Arieri, guta raigara Dhavhidhi! Wedzera gore pagore; uye regai nguva dzemitambo yenyu dzirambe dziripo.
2 Kunyange zvakadaro, ndichakomba Arieri; pachava nokuchema nokuungudza, Arieri richafanana nechoto chearitari kwandiri.
3 Ndichakukomba kumativi ose; ndichakukomberedza neshongwe uye ndichavaka nhare dzokurwa newe.
4 Uchadzikisirwa pasi, uchataura uri pasi; kutaura kwako kuchabva muguruva. Inzwi rako richava seresvikiro rinobva pasi muvhu; kutaura kwako kuchaita zevezeve kuchibva muguruva.
5 Asi vavengi vako vazhinji vachava seguruva rakatsetseka, vane utsinye vachafanana nehundi inopepereswa. Pakarepo, nokukurumidza
6 Jehovha Wamasimba Ose achauya nomutinhiro nokudengenyeka kwenyika, uye nemheremhere huru, nechamupupuri, nedutu guru uye nomurazvo womoto unoparadza zvose.
7 Ipapo mhomho dzamarudzi ose anorwa neArieri, dzinorirwisa iro nenhare dzaro nokurikomba, zvichaita sokurota, nechiratidzo chinoonekwa usiku,