2 Kunyange zvakadaro, ndichakomba Arieri; pachava nokuchema nokuungudza, Arieri richafanana nechoto chearitari kwandiri.
3 Ndichakukomba kumativi ose; ndichakukomberedza neshongwe uye ndichavaka nhare dzokurwa newe.
4 Uchadzikisirwa pasi, uchataura uri pasi; kutaura kwako kuchabva muguruva. Inzwi rako richava seresvikiro rinobva pasi muvhu; kutaura kwako kuchaita zevezeve kuchibva muguruva.
5 Asi vavengi vako vazhinji vachava seguruva rakatsetseka, vane utsinye vachafanana nehundi inopepereswa. Pakarepo, nokukurumidza
6 Jehovha Wamasimba Ose achauya nomutinhiro nokudengenyeka kwenyika, uye nemheremhere huru, nechamupupuri, nedutu guru uye nomurazvo womoto unoparadza zvose.
7 Ipapo mhomho dzamarudzi ose anorwa neArieri, dzinorirwisa iro nenhare dzaro nokurikomba, zvichaita sokurota, nechiratidzo chinoonekwa usiku,
8 sezvinoitwa nomunhu ane nzara anorota achidya, asi apepuka, anowana nzara yake ichiripo; sezvinoita munhu ane nyota anorota achinwa mvura, asi omuka achiziya, nyota yake isina kupera. Naizvozvo ndizvo zvichaitawo marudzi ose akawanda anorwa neGomo reZioni.