12 Vadiki vanomanikidza vanhu vangu, vakadzi vanovatonga. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiri venyu vanokutsausai; vanokubvisai munzira.
13 Jehovha anotora nzvimbo yake muimba yokutonga; anosimuka kuti atonge vanhu.
14 Jehovha anopinda mukutonga vakuru navatungamiri vavanhu vake achiti, “Ndimi makaparadza munda wangu womuzambiringa; zvakapambwa zvinobva kuvarombo zviri mudzimba dzenyu.
15 Munoreveiko zvamunopwanya vanhu vangu, nokukuya zviso zvavarombo?” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose.
16 Jehovha anoti, “Vakadzi veZioni vanozvikudza, vanofamba vakamisa mitsipa yavo. Vachichonya nameso avo, nokufamba vachinzenzeta, vaine zvishongo zvinorira muzviziso zvamakumbo avo.
17 Naizvozvo Jehovha achauyisa maronda pamisoro yavakadzi veZioni; Jehovha achaitisa misoro yavo mhanza.”
18 Pazuva iro Jehovha achabvisa pazviziso zvamakumbo avo: mabhenguro, nezvishongo zvomusoro, nezvishongo zvomutsipa. zvinon'aima,