2 mhare nomurwi, mutongi nomuprofita, muvuki nomukuru,
3 mukuru wamakumi mashanu nomunhu anokudzwa, muchinda nomurume wemhizha, nomuvuki anoziva.
4 Ndichaita kuti majaya ave vabati vavo; vana vadiki ndivo vachavatonga.
5 Vanhu vachadzvinyirirana, munhu nomunhu, muvakidzani nomuvakidzani. Vadiki vachamukira vakuru, nounozvidza achamukira anokudzwa.
6 Murume achabata mumwe wavanun'una vake paimba yababa vake achiti, “Ndiwe une nguo, chiva mutungamiri wedu; iva mutariri wedutu roungwandangwanda uhu!”
7 Asi pazuva iro achadanidzira achiti, “Handigoni kugadzirisa zvinhu. Handina chokudya kana chokufuka mumba mangu; musandiita mutungamiri wavanhu.”
8 Jerusarema rozungunuka, Judha riri kuwa; mashoko avo nezviito zvavo zvinopesana naJehovha, vachizvidza kuvapo kwake kunobwinya.