1 Tarirai mambo achatonga nokururama, uye vatongi vachatonga nokururamisira.
2 Munhu mumwe nomumwe achafanana noutiziro kubva kumhepo, noutiziro kubva pakunaya kwemvura zhinji, sehova dzemvura mugwenga nomumvuri webwe guru munyika yafa nenyota.
3 Ipapo meso avose vanoona haachazotsinzini, uye nzeve dzavanonzwa dzichateerera.
4 Ndangariro dzavanokurumidzira zvinhu dzichaziva nokunzwisisa, uye vanokakama vachataura zvakanaka uye zvinonzwika.
5 Benzi harichazonzi munhu anokudzwa, munhu asina maturo haazoremekedzwi.
6 Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi, ndangariro dzaro dzinofunga zvakaipa: Zvaanoita hazvina umwari uye anoparadzira zvinorasa vanhu pamusoro paJehovha; anosiya vane nzara vasina chinhu uye anonyima mvura vane nyota.
7 Nzira dzousina mano dzakaipa, anoita rangano dzakaipa kuti aparadze varombo nenhema, kunyange chichemo chaanoshayiwa chakanaka hacho.