30 “Ichi ndicho chichava chiratidzo kuvarwi, iwe Hezekia:“Gore rino muchadya zvinomera zvoga, uye mugore rinotevera muchadya mabukira azvo. Asi mugore rechitatu mudyare nokukohwa, mudyare minda yemizambiringa mugodya michero yayo.
31 Zvakare, vakasara veimba yaJudha vachava nemidzi pasi uye vachabereka michero kumusoro.
32 Nokuti muJerusarema muchabuda vachasara, uye muZioni muchabuda boka ravachapunyuka. Kushingaira kwaJehovha kuchazviita.
33 “Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria,“Haazopindi muguta iri kana kupfura museve pano. Haazosviki mberi kwaro nenhoo kana kuvaka gomo revhu pariri.
34 Achadzokera nenzira yaakauya nayo; haazopindi muguta rino,”ndizvo zvinotaura Jehovha.
35 “Ndichadzivirira guta rino uye ndichariponesa, nokuda kwangu uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu!”
36 Ipapo mutumwa waJehovha akabuda akauraya varume zviuru zana namakumi masere nezvishanu pamusasa wavaAsiria. Vanhu vakati vachimuka mangwanani, onei mitumbi yavakafa!