1 Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu, nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa, nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima,
2 kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha uye nezuva rokutsiva kwaMwari wedu, kuti ndinyaradze vose vanochema,
3 uye ndiriritire avo vanochema muZioni, kuti ndiise pamusoro pavo korona yorunako pachinzvimbo chamadota, mafuta omufaro pachinzvimbo chokuchema, uye nenguo yokurumbidza pachinzvimbo chomweya wakarukutika. Vachanzi miouki yokururama, yakasimwa naJehovha kuti aratidze kubwinya kwake.
4 Vachavakazve matongo akare uye vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa kare; vachavandudza matongo amaguta akaparadzwa kwamarudzi namarudzi akapfuura.
5 Vatorwa vachafudza mapoka amakwai enyu; vatorwa vachashanda muminda yenyu nomuminda yenyu yemizambiringa.
6 Ipapo imi muchanzi vaprista vaJehovha, muchanzi vashumiri vaMwari. Muchadya pfuma yendudzi, uye muchazvirumbidza nepfuma yavo.