11 Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Jeremia, uri kuonei?” Ndakapindura ndikati, “Ndiri kuona davi romuti womuarimondi.”
12 Jehovha akati kwandiri, “Waona zvakanaka, nokuti ndiri kutarira kuti ndione kuzadziswa kweshoko rangu.”
13 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri richiti, “Uri kuoneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndiri kuona hari iri kuvira, yakarerekera kubva kumusoro.”
14 Jehovha akati kwandiri, “Njodzi ichadururirwa pamusoro pavanhu vagere munyika ichibva nokumusoro.
15 Nokuti iye zvino ndiri kudana vanhu vose voushe hwokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha.“Madzimambo avo achauya achizoisa zvigaro zvavo zvoushe pamasuo eJerusarema; vachauya kuzorwisa masvingo aro ose akarikomberedza uye namaguta ose eJudha.
16 Ndichareva zvandakatonga pamusoro pavanhu vangu nokuda kwezvakaipa zvavo zvavakaita vachindisiya, vachipisira zvinonhuwira kuna vamwe vamwari nokunamata zvakaumbwa namaoko avo.
17 “Iwe chigadzirira! Simuka uvataurire zvose zvandinokurayira. Usavhundutswa navo, kuti ini ndirege kuzokuvhundutsa pamberi pavo.