12 Chigaro choushe chinobwinya, chakanga chakakwira kubva pakutanga, ndiyo nzvimbo yedu tsvene.
13 Ini Jehovha, tariro yaIsraeri, vose vanokusiyai vachanyadziswa. Vose vanotsauka kwamuri vachanyorwa muvhu, nokuti vakasiya Jehovha, chitubu chemvura mhenyu.
14 Haiwa Jehovha, ndiporesei, ipapo ndichaporeswa; ndiponesei, ipapo ndichaponeswa, nokuti imi ndimi wandinorumbidza.
15 Vanogara vachiti kwandiri, “Shoko raJehovha riripiko? Ngarizadziswe iye zvino!”
16 Handina kutiza pakuva mufudzi wenyu; munoziva kuti handina kushora zuva rokupera kwetariro. Zvinobuda mumuromo mangu zviri pachena pamberi penyu.
17 Musava chinhu chinotyisa kwandiri; ndimi utiziro hwangu pazuva renjodzi.
18 Vatambudzi vangu ngavanyadziswe, asi ini ndidzivirirei pakunyadziswa; ngavavhunduswe ivo, asi ini ndidzivirirei pakuvhunduswa. Uyisai pamusoro pavo zuva renjodzi; vaparadzei nokuparadza kwakapetwa kaviri.