22 Kunyange ukazvishambidza nesoda uchishandisa sipo yakawanda, gwapa remhosva yako rinoramba riri mberi kwangu,”ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari.
23 “Unoreva sei, uchiti, ‘Handina kusvibiswa; handina kutevera Bhaari’? Tarisa zvawakaita mumupata; funga zvawakaita. Iwe uri ngamera yehadzi inomhanya apa nepapo,
24 uri mbizi yakarovedzwa mugwenga, inofembedza mhepo mukushuva kwayo; ndiani angaidzora pakupfumvura kwayo? Mukono upi noupi unoitevera haufaniri kuzvinetesa; panguva yokusangana uchaiwana.
25 Usamhanya kusvikira tsoka dzako dzisisina shangu nehuro yako yava nenyota. Asi iwe wakati, ‘Hazvibatsiri! Ndinoda vamwari vokumwe, uye ndinofanira kuvatevera.’
26 “Sokunyadziswa kwembavha yabatwa, saizvozvo imba yaIsraeri yanyadziswa, ivo namadzimambo avo uye namachinda avo, vaprista vavo navaprofita vavo.
27 Vanoti kudanda, ‘Ndiwe baba vangu,’ uye kuibwe, ‘Ndiwe wakandibereka.’ Vakandifuratira ini asi zviso zvavo hazvina, nyamba pavanenge vava munhamo, vanoti kwandiri, ‘Uyai mutiponese!’
28 Ko, zvino vamwari vamakazviitira varipi? Ngavauye kana vachigona kukuponesai pamunenge mava munhamo! Nokuti muna vamwari vakawanda kupfuura maguta amunawo, imi Judha.