5 “Mazuva achauya, ndizvo zvinotaura Jehovha, pandichamutsira Dhavhidhi Davi rakarurama, Mambo achatonga nouchenjeri nokururamisira uye nokuita zvakarurama munyika.
6 Pamazuva ake Judha achaponeswa uye Israeri achagara norugare. Zita rake raachatumidzwa ndirori: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.
7 “Naizvozvo zvino mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “avasingazoti, ‘NaJehovha mupenyu iye akabudisa vaIsraeri kubva muIjipiti,’
8 asi vachazoti, ‘NaJehovha mupenyu, akabudisa vana vaIsraeri kubva kunyika yokumusoro nokunyika dzose kwaakanga avadzingira.’ Ipapo vachagara munyika yavo.”
9 Kana vari vaprofita: Mwoyo wangu waputsika mukati mangu; mapfupa angu ose anodedera. Ndakaita somunhu akadhakwa, somunhu akundwa newaini, nokuda kwaJehovha uye nokuda kweshoko rake dzvene.
10 Nyika izere nemhombwe; nyika yaoma nokuda kwokutukwa uye mafuro omugwenga aoma. Vaprofita votevera nzira yakaipa uye vanoshandisa simba ravo nokusarurama.
11 “Muprofita nomuprista vose havana umwari; kunyange mutemberi yangu ndinowana kuipa kwavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.