1 Shure kwokutapwa kwaJehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha pamwe chete namachinda, navavezi, navapfuri vesimbi veJudha vachibviswa kuJerusarema vachiendeswa kuBhabhironi naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Jehovha akandiratidza tswanda mbiri dzine maonde dzakaiswa pamberi petemberi yaJehovha.
2 Imwe tswanda yaiva namaonde akanaka kwazvo, akaita seaya anotanga kuibva; imwe yacho yaive namaonde akaipa chose, zvokuti akanga asingagoni kudyiwa.
3 Ipapo Jehovha akandibvunza achiti, “Uri kuoneiko Jeremia?” Ini ndakapindura ndikati, “Maonde. Akanaka acho, akanaka kwazvo, asi akaipa acho akaipa zvokuti haangadyiwi.”
4 Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri rikati,
5 “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri, ‘Sezvakaita maonde aya akanaka, saizvozvo ndicharangarira zvakanaka vatapwa vakabva kuJudha vandakatuma kubva panzvimbo ino ndichivaendesa kunyika yeBhabhironi.
6 Meso angu acharingira kwavari nokuda kwokunaka kwavo, uye ndichavadzosazve munyika ino. Ndichavavaka uye handingavakoromori; ndichavasima uye handingavadzuri.