19 Nokuti havana kuteerera kumashoko angu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mashoko andakatuma ndatumazve kwavari navaranda vangu vaprofita. Nemiwo vakatapwa makaramba kuateerera,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
20 Naizvozvo, chinzwai shoko raJehovha, imi mose makatapwa vandakadzingira kuBhabhironi muchibva kuJerusarema.
21 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, pamusoro paAhabhu mwanakomana waKoraya naZedhekia mwanakomana waMaaseya, vari kukuprofitirai nhema muzita rangu, “Ndichavaisa muruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye achavauraya pamberi penyu muchizviona.
22 Nokuda kwavo, vatapwa vose vakabva kuJudha vari muBhabhironi vachashandisa chituko ichi: ‘Jehovha akuitire sezvaakaita kuna Zedhekia naAhabhu avo vakapiswa mumoto namambo weBhabhironi.’
23 Nokuti vakaita zvinhu zvinonyangadza muIsraeri; vakaita upombwe navakadzi vavavakidzani vavo uye vakareva nhema muzita rangu, izvo zvandisina kuvaudza kuti vaite. Ndinozviziva uye ndiri chapupu chazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
24 Udza Shemaya muNeherami kuti,
25 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Wakatumira matsamba muzita rako kuvanhu vose vomuJerusarema, kuna Zefania mwanakomana waMaaseya muprista, nokuna vamwe vaprista vose. Wakati kuna Zefania,