3 Akaendesa tsamba iyi noruoko rwaErasa, mwanakomana waShafani, naGemaria mwanakomana waHirikia, avo vakatumwa naZedhekia mambo waJudha kuna Mambo Nebhukadhinezari kuBhabhironi. Yaiti:
4 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, kuna vose vandakaendesa muutapwa kuBhabhironi vachibva kuJerusarema,
5 “Zvivakirei dzimba mugare; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo.
6 Wananai mugova navanakomana navanasikana; tsvakirai vanakomana venyu vakadzi uye muwanise vanasikana venyu, kuti naivowo vave navanakomana navanasikana. Muwande ikoko; musadzikira pakuwanda.
7 Uyezve, mutsvake rugare nokubudirira kweguta randakakuendesai kuutapwa. Murinyengeterere kuna Jehovha, nokuti kana rikabudirira, nemiwo muchabudirira.”
8 Nokuti, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Musarega vaprofita navavuki vari pakati penyu vachikunyengerai. Musateerera kurota kwamunovakurudzira kuti varote.
9 Vanokuprofiterai nhema muzita rangu. Handina kuvatuma,” ndizvo zvinotaura Jehovha.