6 Panguva yokutonga kwaMambo Josia, Jehovha akati kwandiri, “Waona here zvaitwa naIsraeri wokusatendeka? Ari kuenda pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira nepasi pemiti yose yakapfumvutira achindoita ufevepo.
7 Ndakafunga kuti mushure mokuita kwake izvi zvose, achadzokera kwandiri asi iye haana, uye munun'una wake Judha wokusatendeka akazviona.
8 Ndakapa Israeri wokusatendeka tsamba yokurambana ndikamudzinga nokuda kwoufeve hwake. Kunyange zvakadaro ndakaona kuti Judha munun'una wake wokusatenda haatyi; naiyewo akabuda akandoita ufeve.
9 Nokuti ufeve hwaIsraeri hahuna zvahwakareva kwaari, akasvibisa nyika nokufeva namabwe namatanda.
10 Kunyange izvi zvakadaro, munun'una wake Judha wokusatendeka haana kudzokera kwandiri nomwoyo wake wose, asi kunyengera chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
11 Jehovha akati kwandiri, “Israeri wokusatenda akarurama kukunda Judha wokusatendeka.
12 Enda undoparidza shoko iri kurutivi rwokumusoro uchiti,“ ‘Dzokai imi Israeri vokusatenda,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘Handichazorambi ndakafinyamisa chiso changu kwamuri, nokuti ndizere nengoni,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘handingarambi ndakatsamwa nokusingaperi.