19 Nziyo dzokuvonga nenzwi romufaro zvichabva kwavari. Ndichawedzera kuwanda kwavo, uye havangatapudzwi; ndichavavigira kukudzwa, uye havangadukupiswi,
20 Vana vavo vachava sepamazuva ekare, uye ungano yavo ichasimbiswa pamberi pangu; ndicharanga vose vanovamanikidza.
21 Mutungamiri wavo achava mumwe wokwavo; anovabata ushe achamutswa pakati pavo. Ndichamuswededza pedyo uye iye achaswedera pedyo neni, nokuti ndianiko achazvipira kuti ave pedyo neni?’ ndizvo zvinotaura Jehovha.
22 “ ‘Saka muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.’ ”
23 Tarirai, dutu raJehovha richaputika mukutsamwa kwake, mhepo inovhuvhuta ichimona pamisoro yavakaipa.
24 Kutsamwa kunotyisa kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira apedza zvinovavarirwa nomwoyo wake. Muchanzwisisa izvozvi pamazuva anouya.