4 Aya ndiwo mashoko akataurwa naJehovha pamusoro peIsraeri neJudha:
5 “Zvanzi naJehovha, ‘Takanzwa kuchema kunovhundusa nekwokutya, kwete kworugare.
6 Bvunzai muone: Ko, murume angagona kusununguka mwana here? Zvino, seiko ndichiona murume mumwe, nomumwe akasimba akabata padumbu pake namaoko ake somukadzi worwadziwa, zviso zvose zvachenuruka?
7 Haiwa, zuva iro richatyisa seiko! hakuna richafanana naro. Ichava nguva yokutambudzika yaJakobho, asi iye achaponeswa pairi.
8 “ ‘Pazuva iro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichavhuna joko pamitsipa yavo uye ndichadambura zvisungo zvavo; havachazoitwizve varanda navatorwa.
9 Asi, vachashumira Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo, iye wandichavamutsira.
10 “ ‘Saka, usatya, iwe Jakobho muranda wangu; usavhunduka, iwe Israeri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ndichakuponesa uri kure zvirokwazvo, nezvizvarwa zvako kubva munyika yokutapwa kwavo. Jakobho achavazve norugare nokugara zvakanaka, uye hakuna achazomutyisa.