5 Ipapo Jeremia akataurira Sharuki, akati, “Ini ndakadziviswa, handigoni kuenda kutemberi yaJehovha.
6 Saka iwe enda kuimba yaJehovha pazuva rokutsanya undoverengera vanhu mashoko aJehovha awakanyora murugwaro rwakapetwa ini ndichikutaurira. Uverengere vanhu vose veJudha vanouya vachibva kumaguta avo.
7 Zvimwe vanganyengetera kuna Jehovha uye mumwe nomumwe wavo achadzoka kubva panzira dzake dzakaipa, nokuti kutsamwa nehasha dzakarehwa naJehovha pamusoro pavanhu ava kukuru.”
8 Bharuki mwanakomana waNeria akaita zvose zvaakataurirwa nomuprofita Jeremia kuti aite; akarava mashoko aJehovha kubva murugwaro rwakapetwa, ari patemberi yaJehovha.
9 Mumwedzi wechipfumbamwe wegore rechishanu raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, nguva yokutsanya pamberi paJehovha yakadanidzirwa kuvanhu vose muJerusarema navose vakanga vabva kumaguta eJudha.
10 Bharuki akaverengera vanhu vose mashoko aJeremia aiva murugwaro rwakapetwa, ari mumba maJehovha, mukamuri yaGemaria mwanakomana waShafani munyori, yaiva muruvazhe rwokumusoro pamuromo weSuo Idzva retemberi yaJehovha.
11 Mikaya mwanakomana waGemaria, mwanakomana waShafani, akati anzwa mashoko ose aJehovha aibva murugwaro rwakapetwa,