5 Hondo yaFaro yakanga yauya ichibva kuIjipiti, zvino vaBhabhironi vakanga vakakomba Jerusarema vakati vanzwa shoko pamusoro pavo, vakabva paJerusarema.
6 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia muprofita, richiti,
7 “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Udza mambo weJudha, iye akakutuma kuzondibvunza, kuti, ‘Hondo yaFaro yakauya kuzokubatsirai, ichadzokera kuIjipiti kunyika yavo.
8 Ipapo vaBhabhironi vachadzokazve vagorwisa guta rino; vacharikunda vagoripisa nomoto.’
9 “Zvanzi naJehovha: Musazvinyengera muchifunga kuti, ‘Zvirokwazvo vaBhabhironi vachabva kwatiri.’ Kwete, havangabvi!
10 Kunyange dai mungakunda hondo yose yavaBhabhironi iri kukurwisai uye kugosara vakakuvara bedzi mumatende, ivavo vachauya vakapisa guta rino.”
11 Shure kwokubva kwehondo yavaBhabhironi muJerusarema nokuda kwehondo yaFaro,