21 “Rwisai nyika yeMarataimi neavo vagere muPekodhi. Dzingirirai, urayai uye muvaparadze zvachose,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Muite zvose zvandakurayirai.
22 Mheremhere yehondo iri munyika, mheremhere yokuparadza kukuru!
23 Yavhunika nokupwanyika seiko nyundo yenyika yose! Bhabhironi rava dongo seiko pakati pendudzi!
24 Ndakakuisira musungo, iwe Bhabhironi, uye wakabatwa usati wazviziva; wakawanikwa ukapambwa nokuti wakapikisana naJehovha,
25 Jehovha akazarura dura rezvombo ndokubudisa zvombo zvehasha dzake, nokuti Ishe Jehovha Wamasimba Ose ane basa rokuita munyika yavaBhabhironi.
26 Uyai murwe naro muchibva kure. Zarurai matura aro; muriunganidze semirwi yezviyo. Riparadzei zvachose, parege kuva navanosara.
27 Muuraye hondo diki dzaro dzose; ngadziendeswe kundobayiwa! Vane nhamo! Nokuti zuva ravo rasvika, nguva yokurangwa kwavo.