43 Mambo weBhabhironi akanzwa guhu pamusoro pavo, maoko ake akapera simba. Kutya kwakamubata, kurwadziwa sekwomukadzi wosununguka.
44 Seshumba inouya ichibva mudondo reJorodhani ichienda kumafuro akapfuma, ndichadzinga Bhabhironi kubva munyika yayo pakarepo. Ndianiko akatsaurwa wandichagadza pane izvi? Ndiani akaita seni uye ndianiko achamisidzana neni? Uye ndoupi mufudzi angandidzivisa?”
45 Naizvozvo, inzwai zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi, zvaakaronga pamusoro penyika yavaBhabhironi: Makwayana emapoka avo achakwekweredzerwa kure; achaparadza mafuro awo zvachose nokuda kwavo.
46 Pachanzwikwa kutinhira kwokukundwa kweBhabhironi, nyika ichadedera; kuchema kwayo kuchanzwika pakati pamarudzi.