1 Mugove wechipiri wakapiwa kuna Simeoni, imba neimba. Nhaka yavo yakanga iri pakati penyika yavaJudha.
2 Nhaka yavo yaisanganisira:Bheerishebha (kana kuti Shebha),
3 Hazari Shuari, Bhara, Ezemi,
4 Eritoradhi, Bheturi, Homa,
5 Zikiragi, Bheti Makabhoti, Hazari Susa,
6 Bheti Rebhaoti neShareheni, maguta gumi namatatu nemisha yawo;
7 Aini, Rimoni, Eteri neAshani, maguta mana nemisha yawo,