6 Bheti Rebhaoti neShareheni, maguta gumi namatatu nemisha yawo;
7 Aini, Rimoni, Eteri neAshani, maguta mana nemisha yawo,
8 nemisha yose yakanga yakapoteredza maguta ose aya kusvikira kuBhaarati Bheeri (Rama muNegevhi).Iyi ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavaSimeoni, mhuri nemhuri.
9 Nhaka yavaSimeoni yakanga yatorwa pamugove waJudha, nokuti mugove waJudha wakanga wakanyanya kupfuura zvavaida. Saka vaSimeoni vakapiwa nhaka mukati menyika yaJudha.
10 Mugove wechitatu wakapiwa kuna Zebhuruni, imba neimba:Muganhu wenyika yavo waisvika kuSaridhi.
11 Wainanga kumavirira uchisvika kuMarara, ndokundobata Dhabhesheti, uye waitandavara kusvika kurwizi ruri pedyo neJokineami.
12 Wakanga uchidzokera kumabvazuva uchibva kuSaridhi wakananga kumabvazuva uchienda kunyika yeKisiroti Tabhori ndokupfuurira kuDhabherati uchindokwidza kuJaifa.