3 Ugovaudza kuti vatore mabwe gumi namaviri kubva pakati peJorodhani panga pakamira vaprista chaipo mugoatakura mugoaisa pamunorara nhasi manheru.”
4 Saka Joshua akadaidza varume gumi navaviri vaakanga asarudza kubva kuvaIsraeri, mumwe chete kubva parudzi rumwe norumwe,
5 Akati kwavari, “Endai pamberi peareka yaJehovha mupinde pakati peJorodhani. Mumwe nomumwe wenyu anofanira kutakura dombo pafudzi pake zvichienderana nokuwanda kwamarudzi avaIsraeri,
6 kuti ave chiratidzo pakati penyu. Mumazuva anotevera kana vana venyu vobvunza vachiti, ‘Ko, matombo aya anorevei?’
7 muvataurire kuti mvura yeJorodhani yaiyerera yakaganhurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha. Pavakayambuka Jorodhani, mvura yeJorodhani yakaganhurwa. Matombo aya anofanira kuva chirangaridzo kuvanhu veIsraeri nokusingaperi.”
8 Saka vaIsraeri vakaita sezvavakarayirwa naJoshua. Vakatora matombo gumi namaviri kubva pakati peJorodhani, aienderana nokuwanda kwamarudzi avaIsraeri, sezvakanga zvataurirwa Joshua naJehovha; vakaatakura vakaenda nawo kumisasa yavo kwavakanoaisa pasi.
9 Joshua akamisa matombo gumi namaviri akanga ari pakati peJorodhani pakanga pakamira vaprista vakanga vakatakura areka yesungano. Uye achiripo nanhasi uno.