1 “Zvino yambiro iyi ndeyenyu, imi vaprista.
2 Kana imi musingateereri, uye kana musingakudzi zita rangu nomwoyo wenyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “ndichatuma kutukwa pamusoro penyu, uye ndichatuka ropafadzo dzenyu. Hongu, ndakadzituka kare, nokuti hamuna kuzvipira nemwoyo yenyu kuti mundikudze.
3 “Nokuda kwenyu ndichabvisa zvizvarwa zvenyu; ndichadzura zviso zvenyu nendove inobva pazvibayiro zvemitambo yenyu, uye nemi muchatakurwa pamwe chete nayo.
4 Uye muchaziva kuti ndakakutumirai yambiro iyi kuitira kuti sungano yangu naRevhi irambe iripo,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
5 “Ndakaita sungano yangu naye, sungano youpenyu norugare, uye ndakapa izvi kwaari; zvakandivigira kukudzwa uye akandikudza, akamira achitya zita rangu.
6 Kurayira kwechokwadi kwakanga kuri mumuromo wake, uye chisakarurama hachaiwanikwa pamiromo yake. Akafamba neni murugare nomukururama, uye akadzora vazhinji pazvivi.