2 Asi ndiani angatsunga pazuva rokuuya kwake? Ndiani angamira paanoonekwa? Nokuti achava somoto womunatsi kana sipo yomusuki.
3 Iye achagara somunatsi nomuchenesi wesirivha; achachenesa vaRevhi uye achavanatsa segoridhe nesirivha. Ipapo Jehovha achava navanhu vachamuvigira zvipiriso mukururama,
4 uye zvipiriso zveJudha neJerusarema zvichagamuchirwa naJehovha, sapamazuva akapfuura, sapamakore akare.
5 “Saka ndichaswedera kwamuri kuzotonga. Ndichakurumidza kupupura ndichipikisa varoyi, mhombwe uye navanopika nhema, navaya vanobiridzira vashandi migove yavo, vanodzvinyirira chirikadzi nenherera uye vasingaruramisiri vatorwa, uye vasingandityi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
6 “Ini Jehovha handishanduki. Saka imi, rudzi rwaJakobho, hamuna kuparadzwa.
7 Kubva pamazuva amadzitateguru enyu makatsauka pamitemo yangu uye hamuna kuichengeta. Dzokerai kwandiri, uye neni ndichadzokera kwamuri,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Asi munobvunza muchiti, ‘Tichadzoka pazvinhu zvipiko?’
8 “Ko, munhu angabire Mwari here? Kunyange zvakadaro munondibira. “Asi munobvunza muchiti, ‘Tinokubirai pane zvipi?’ “Pazvegumi nezvipiriso.