21 wokwaHirikia, aiva Hashabhia; wokwaJedhaya, aiva Netaneri.
22 Vakuru vedzimba dzavaRevhi mumazuva aEriashibhi, Joyadha, Johanani naJadhua, pamwe chete neavo vaiva vevaprista, vakanyorwa mazita avo pamazuva okutonga kwaDhariasi muPezhia.
23 Vakuru vedzimba pakati pezvizvarwa zvaRevhi kusvikira panguva yaJohanani mwanakomana waEriashibhi vakanyorwa mumabhuku enhoroondo.
24 Zvino vatungamiri vavaRevhi vaiva Hashabhia, Sherebhia naJeshua mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo aimira akatarisana navo vachipa rumbidzo nokuvonga, uye vachiita madzoro sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari.
25 Matania Bhakibhukia, Dhadhia, Meshurami, Taramani, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova namatura.
26 Vakashumira pamazuva aJehoyakimi mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki, nomumazuva aNehemia mubati naEzira muprista nomunyori.
27 Zvino pakukumikidzwa kworusvingo rweJerusarema, vaRevhi vakatsvakwa kwavaigara akauyiswa kuJerusarema kuzopemberera kukumikidzwa uku nomufaro nenziyo dzokuvonga uye nokuimba vachiridza makandira, mitengeranwa nembira.