1 Jehovha akataura naMozisi muTende Rokusangana, vari murenje reSinai, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, mugore rechipiri shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti, achiti,
2 “Verenga ungano yose yavaIsraeri nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uchinyora murume wose wose nezita rake, mumwe nomumwe.
3 Iwe naAroni munofanira kuverenga varume vose vari muIsraeri namapoka avo vane makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo.
4 Murume mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe, mumwe nomumwe ari mukuru wemhuri yake.
5 Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsira: kubva kwaRubheni, Erizuri mwanakomana waShedheuri;
6 kubva kwaSimeoni, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai;