Numeri 15 BDMCS

Zvimwe Zvipiriso

1 Jehovha akati kuna Mozisi,

2 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandinokupai kuti mugare,

3 uye mukauya nezvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, kubva kumombe kana makwai, kuti muite zvinonhuwira zvinofadza Jehovha, zvingava zvinopiswa kana zvibayiro, zvemhiko dzakasarudzika kana zvipo zvokungopa kana zvipiriso zvemitambo,

4 ipapo munhu anouya nechipiriso chake achapa kuna Jehovha chipiriso chezvipo chiri chegumi cheefaa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehinib yamafuta.

5 Pagwayana rimwe nerimwe rechipiriso chinopiswa kana rechibayiro, munofanira kugadzira chikamu chimwe chete muzvina chehini yewaini chive chipiriso chokunwa.

6 “ ‘Munofanira kugadzira negondohwe chipiriso chezviyo chezvikamu zviviri mugumi zveefac youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechetatu chehinid yamafuta,

7 uye chetatu chehini yewaini chive chipiriso chokunwa. Muchipe sechinonhuwira chinofadza kuna Jehovha.

8 “ ‘Pamunogadzirira Jehovha nzombe duku sechipiriso chinopiswa kana sechibayiro, chemhiko yakasarudzika kana chipiriso chokuwadzana,

9 munofanira kuuya nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi cheefae youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nehafu yehinif yamafuta pamwe chete nehando.

10 Uyezve muuye nehafu yehini yewaini sechipiriso chokunwa. Chichava chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira chinofadza Jehovha.

11 Hando imwe neimwe kana gondohwe, gwayana rimwe nerimwe kana mbudzana, zvinofanira kugadzirwa nenzira iyoyi.

12 Munofanira kuita izvi pane chimwe nechimwe chazvo, sokuwanda kwezvamunenge magadzira.

13 “ ‘Munhu wose anoberekwa munyika yenyu, anofanira kuita zvinhu izvi nenzira iyi paanenge achiuya nechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.

14 Kumarudzi anotevera kana mutorwa kana mumwe munhuwo zvake agere pakati penyu akapa chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza Jehovha, anofanira kuita zvakangofanana nezvamunoita imi.

15 Ungano inofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa agere pakati penyu; uyu murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi anotevera. Muchafanana pamberi paJehovha imi nomutorwa.

16 Mirayiro mimwe cheteyo ichashanda kwamuri mose, imi nomutorwa agere pakati penyu.’ ”

17 Jehovha akati kuna Mozisi,

18 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mopinda munyika yandinokuendesai

19 uye mukadya zvokudya zvenyika iyo, munofanira kupa chikamu kuna Jehovha sechipiriso.

20 Munofanira kupa keke rinoitwa noupfu hwenyu hwokutanga mugoripa sechipiriso chinobva paburiro.

21 Kusvikira kumarudzi anotevera munofanira kupa chipiriso ichi kuna Jehovha kubva paupfu hwenyu hwokutanga.

Zvipiriso zvezvivi zvisina kuitwa nobwoni

22 “ ‘Zvino kana musingatadzi nobwoni kuchengeta mirayiro iyi yakapiwa kuna Mozisi naJehovha,

23 zvipi zvazvo zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, kubva nezuva razvakapiwa naJehovha uye zvichienda mberi kusvikira kumarudzi anotevera,

24 uye kana izvi zvikaitwa kwete nobwoni zvisina kuzivikanwa neungano, ungano yose inofanira kupa hando duku sechipiriso chinopiswa, sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha, nehando yembudzi kuti ive chipiriso chechivi.

25 Muprista anofanira kuyananisira ungano yose yavaIsraeri, uye vachakanganwirwa, nokuti zvakanga zvisina kuitwa nobwoni, uye, nokuda kwokukanganisa kwavo, vakavigira Jehovha chipiriso chinopiswa uye nechipiriso chechivi.

26 Ungano yose yavaIsraeri navatorwa vagere pakati pavo vachakanganwirwa, nokuti vanhu vose vakatadza vasingazivi.

27 “ ‘Asi kana munhu mumwe chete akatadza nokusaziva, anofanira kuuya nembudzana hadzi yegore rimwe chete kuti chive chipiriso chechivi.

28 Muprista anofanira kuyananisira uyo akatadza pamberi paJehovha nokutadza nokusaziva, uye kana ayananisirwa, achakanganwirwa.

29 Murayiro mumwe chete iwoyu unoshanda kuna vose vanotadza vasingazivi, angava akaberekerwa muIsraeri kana mutorwa.

30 “ ‘Asi ani naani anotadza nokuzvikudza, angava akaberekwa muIsraeri kana mutorwa, anomhura Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.

31 Nokuti akazvidza shoko raJehovha uye akaputsa mirayiro yake, munhu uyo anofanira kubviswa zvachose; mhosva yake inogara pamusoro pake.’ ”

Munhu akaputsa murayiro weSabata anourayiwa

32 VaIsraeri vachiri murenje, mumwe munhu akawanikwa achiunganidza huni nezuva reSabata.

33 Avo vakamuwana achiunganidza huni vakauya naye kuna Mozisi naAroni nokuungano yose,

34 uye vakamuchengeta mutorongo, nokuti vakanga vasingazivi zvinofanira kuitwa kwaari.

35 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Munhu uyo anofanira kufa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe kunze kwomusasa.”

36 Saka ungano yakamubudisa kunze kwomusasa vakamutaka namabwe kusvikira afa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

Pfunha paNguo

37 Jehovha akati kuna Mozisi,

38 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kusvikira, kumarudzi achatevera, munofanira kugadzira pfunha pamakona enguo dzenyu, dzinenge dzine tambo yebhuruu papfunha imwe neimwe.

39 Muchava nepfunha idzi kuti mudzitarire uye naizvozvo mucharangarira zvakarayirwa naJehovha zvose, kuti muzviteerere mugorega kuita ufeve muchitevera kuchiva kwemwoyo yenyu nameso enyu.

40 Ipapo mucharangarira kuteerera mirayiro yangu yose uye muchazvitsaura kuti muve vanhu vaMwari wenyu.

41 Ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”

Zvitsauko

1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16 17 18 19 20 21 22 23 24 25 26 27 28 29 30 31 32 33 34 35 36