Numeri 24 BDMCS

1 Zvino Bharamu akati aona kuti zvinofadza Jehovha kuti aropafadze Israeri, haana kuzoita zvouroyi sepane dzimwe nguva, asi akaringisa chiso chake kurenje.

2 Bharamu akati atarisa kunze akaona vaIsraeri vagere pamusasa, rudzi norudzi, Mweya waMwari wakauya pamusoro pake

3 uye akataura chirevo chake achiti:“Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori, chirevo chaiye ana meso anonyatsoona,

4 chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose, anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura.

5 “Matende ako akanaka seiko, iwe Jakobho, nougaro hwako, iwe Israeri!

6 “Semipata, vakaita fararira, samapindu pedyo norwizi, segavakava rakasimwa naJehovha, semisidhari pedyo nemvura.

7 Mvura ichayerera ichibva muzvirongo zvavo; mbeu dzavo dzichawana mvura yakawanda.“Mambo wavo achava mukuru kupinda Agagi; umambo hwavo huchasimudzirwa.

8 “Mwari akavabudisa muIjipiti; vane simba renyati. vanomedza ndudzi dzine hasha uye vanovhunavhuna mapfupa adzo; Vanovabaya nemiseve yavo.

9 Seshumba vanoti vhumba vagovata pasi, seshumbakadzi, ndianiko angashinga kuvamutsa?“Vose vanokuropafadza, ngavaropafadzwe uye vose vanokutuka, ngavatukwe!”

10 Ipapo kutsamwa kwaBharaki kwakapfuta pamusoro paBharamu. Akarova maoko ake pamwe chete akati kwaari,“Ndakakudanira kuzotuka vavengi vangu, asi wavaropafadza katatu kose aka.

11 Zvino chibva izvozvi uende kwako! Ndakati ndichakupa mubayiro wakaisvonaka, asi Jehovha akudzivisa kuti upiwe mubayiro.”

12 Bharamu akapindura Bharaki akati, “Ko, handina kutaurira nhume dzawakatuma kwandiri here kuti,

13 ‘Kunyange dai Bharaki andipa muzinda wake wakazara nesirivha negoridhe, handaigona kuita chinhu nokuda kwangu, chakanaka kana chakaipa, kuti ndidarike murayiro waJehovha, uye kuti ndinofanira kutaura chete zvinenge zvataurwa naJehovha here?’

14 Zvino ndava kudzokera kuvanhu vokwangu, asi uya ndikuyambire zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva anouya.”

Chirevo chaBharamu Chechina

15 Ipapo akataura chirevo chake akati:“Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori,

16 chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, ano ruzivo runobva kuno Wokumusorosoro, anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose, anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura:

17 “Ndiri kumuoona, asi kwete iye zvino; ndinomuona, asi haasi pedyo. Nyeredzi ichabuda muna Jakobho; Tsvimbo youshe ichamera kubva muna Israeri. Achapwanya huma dzavaMoabhu, madehenya avanakomana vose vaSeti.

18 Edhomu achakundwa; Seiri, muvengi wake, achakundwa, asi Israeri achasimba.

19 Mutongi achabuda muna Jakobho uye achaparadza vakasara veguta.”

Zvirevo zvaBharamu Zvokupedzisira

20 Ipapo Bharamu akaona Amareki uye akataura chirevo chake achiti,“Amareki akanga ari wokutanga pakati pendudzi, asi pakupedzisira achaparadzwa.”

21 Ipapo akaona vaKeni uye akataura chirevo chake achiti:“Ugaro hwako hwakachengetedzeka, dendere rako rakavakwa padombo;

22 asi imi vaKeni muchaparadzwa, Ashuri paachakutapai.”

23 Ipapo akataura chirevo chake akati:“Haiwa, ndianiko angararama kana Mwari akaita izvi?

24 Zvikepe zvichauya zvichibva kumahombekombe eKitimu; zvichakunda Ashuri neEbheri, asi naizvowo zvichaparadzwa.”

25 Ipapo Bharamu akasimuka akadzokera kunyika yake, uye Bharaki akaenda kwakewo.

Zvitsauko

1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16 17 18 19 20 21 22 23 24 25 26 27 28 29 30 31 32 33 34 35 36