20 Kubva kuzvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye nezvemhuri dzavo.
21 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaRubheni vaiva zviuru makumi mana nezvitatu, namazana mashanu.
22 Kubva kuzvizvarwa zvaSimeoni:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
23 Vakaverengwa vaibva kurudzi rwaSimeoni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, namazana matatu.
24 Kubva kuzvizvarwa zvaGadhi:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
25 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaGadhi vaisvika zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu namakumi mashanu.
26 Kubva kuzvizvarwa zvaJudha:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.