2 “Tuma vamwe varume kuti vandosora nyika yeKenani, yandiri kupa kuvaIsraeri. Tuma mutungamiri mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe rwamadzitateguru avo.”
3 Saka, sokurayira kwaJehovha, Mozisi akavatuma vachibva nokurenje reParani. Vose vakanga vari vatungamiri vavaIsraeri.
4 Haano mazita avo: kubva kurudzi rwaRubheni, Shamua mwanakomana waZakuri;
5 kubva kurudzi rwaSimeoni, Shafati mwanakomana waHori;
6 kubva kurudzi rwaJudha, Karebhu mwanakomana waJefune;
7 kubva kurudzi rwaIsakari, Igari mwanakomana waJosefa;
8 kubva kurudzi rwaEfuremu, Hoshea mwanakomana waNuni;