37 varume ava vakanga vaparadzira mashoko akaipa pamusoro penyika, vakarohwa vakaurayiwa nedenda pamberi paJehovha.
38 Pavarume vakaenda kundosora nyika, Joshua mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune ndivo bedzi vakararama.
39 Mozisi akati azivisa izvi kuvaIsraeri vose, vakachema zvikuru.
40 Mangwana acho mangwanani, vakakwira vakananga kumusoro kunyika yamakomo marefu. Vakati, “Takatadza hedu. Tichakwira tiende kunyika yatakavimbiswa naJehovha.”
41 Asi Mozisi akati kwavari, “Sei musingateereri kurayira kwaJehovha? Izvi hazvibudiriri!
42 Musakwira kumusoro nokuti Jehovha haazi pakati penyu. Muchakundwa navavengi venyu,
43 nokuti vaAmareki navaKenani vachasangana nemi ikoko. Nokuti makafuratira Jehovha, iye haangavi nemi uye muchaurayiwa nomunondo.”