1 Jehovha akati kuna Mozisi,
2 “Taura kuvaIsraeri utore tsvimbo gumi nembiri kubva kwavari, imwe chete kubva kuno mumwe nomumwe wavatungamiri vamarudzi amadzitateguru avo. Unyore zita romurume mumwe nomumwe patsvimbo yake.
3 Patsvimbo yaRevhi unyore zita raAroni, nokuti panofanira kuva netsvimbo imwe chete yomukuru mumwe nomumwe worudzi rwamadzitateguru avo.
4 Udziise muTende Rokusangana pamberi peChipupuriro, pandinosangana nemi.
5 Tsvimbo yomunhu wandichasarudza ichabukira mashiza, uye ndichagumisa kupopota uku kwavaIsraeri kuri kuramba kuripo pamusoro pako.”
6 Saka Mozisi akataura navaIsraeri, uye vatungamiri vavo vakamupa tsvimbo gumi nembiri, imwe chete iri yomutungamiri mumwe nomumwe wamarudzi amadzitateguru avo, uye tsvimbo yaAroni yakanga iri pakati padzo.