3 Kumabvazuva, kwakanangana nokunobuda nezuva, mapoka okwaJudha anofanira kuvaka misasa yawo pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vaJudha ndiNashani mwanakomana waAminadhabhi.
4 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi manomwe nezvina, namazana matanhatu.
5 Rudzi rwaIsakari ruchavaka misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vaIsakari ndiNetaneri mwanakomana waZuari.
6 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvina, namazana mana.
7 Rudzi rwaZebhuruni ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vaZebhuruni ndiEriabhu mwanakomana waHeroni.
8 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana.
9 Varume vose vanodiwa kumusasa waJudha maererano namapoka avo, vanokwana zviuru zana namakumi masere nezvitanhatu, namazana mana. Ava ndivo vachatanga kusimuka.