5 “Matende ako akanaka seiko, iwe Jakobho, nougaro hwako, iwe Israeri!
6 “Semipata, vakaita fararira, samapindu pedyo norwizi, segavakava rakasimwa naJehovha, semisidhari pedyo nemvura.
7 Mvura ichayerera ichibva muzvirongo zvavo; mbeu dzavo dzichawana mvura yakawanda.“Mambo wavo achava mukuru kupinda Agagi; umambo hwavo huchasimudzirwa.
8 “Mwari akavabudisa muIjipiti; vane simba renyati. vanomedza ndudzi dzine hasha uye vanovhunavhuna mapfupa adzo; Vanovabaya nemiseve yavo.
9 Seshumba vanoti vhumba vagovata pasi, seshumbakadzi, ndianiko angashinga kuvamutsa?“Vose vanokuropafadza, ngavaropafadzwe uye vose vanokutuka, ngavatukwe!”
10 Ipapo kutsamwa kwaBharaki kwakapfuta pamusoro paBharamu. Akarova maoko ake pamwe chete akati kwaari,“Ndakakudanira kuzotuka vavengi vangu, asi wavaropafadza katatu kose aka.
11 Zvino chibva izvozvi uende kwako! Ndakati ndichakupa mubayiro wakaisvonaka, asi Jehovha akudzivisa kuti upiwe mubayiro.”