19 Mupe kuna Jehovha chipiriso chakaitwa nomoto, chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondohwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe ane gore rimwe chete, ose asina kuremara.
20 Pamwe chete nehando imwe neimwe mugadzire chipiriso chezviyo, chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondohwe, zvikamu zviviri mugumi;
21 uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi;
22 uisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti iwe uzviyananisire.
23 Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa zvamangwanani zvamazuva ose.
24 Nenzira iyi mugadzire zvokudya zvezvipiriso zvinoitwa nomoto mazuva ose kwamazuva manomwe sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha; zvinofanira kugadzirwa pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa nechipiriso chacho chinonwiwa.
25 Pazuva rechinomwe muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose.